
Дата выпуска: 01.03.2015
Язык песни: Суахили
Kuregerera in Advance |
Handidi ini kufa ne BP |
Ndigotadza kupinda denga |
Nekuda kwekusaregerera |
Mweya wangu wonanga Gehenna |
Kwete, ndinokuregerera |
Ishe vakandiregerera wo |
Saka ndato kuregerera |
Kuregerera in advance |
Zvauri iwe mudiwa wangu |
Ndinozviziva uchanditadzira |
Saka ndatokuregerera |
Kuregerera in advance |
Ndiwe zvako uripa WhatsApp |
Uchingo flirter nevamwe |
Moyo wangu urikurwadza |
Asi ndinokuregerera |
Babie ndinokuregera |
Ishe vakandiregerera |
Saka ndatokuregerera |
Kuregerera in advance |
Mummy, mummy, ndinokuregerera |
Ndakanzinzva makambondirasa, kundirasira mu bhini |
Ini ndikudai mummy ishe vakandiregerera wo |
Saka ndinokuregererai kuregerera in advance |
Daddy daddy |
Daddy daddy hatisati tambosangana ka |
Asi ndinokudai daddy, uye ndinokuregererai |
Ndakanzinzva makaramba numbu Ishe vakandiregerera wo |
Saka ndinokuregererai |
Kuregerera in advance |
Zvamuri imi vana vesangano |
Ndinozviziva muchanditaura |
Ndino zviziva muchandinyeya |
He mufundisi varikuba Mari |
Mufundisi havasisina power |
Mufundisi havasisina Shoko |
Mukadzi wavo hagoni kupfeka |
Asi ndinokuregerera |
Church ndinokuregerera |
Ishe vakandiregerera |
Saka ndinokuregerera |
Kuregerera in advance |
Nhai Mwari we |
Nhai Mwari we |
Dzidzisai Moyo kuregerera |
Moyo ngaudzidze kuregerera |
Pandakakutadzirai Mwari |
Makandipa 2nd chance |
Mukandipa 3rd chance |
Ndikanyepa mukati 4th chance |
Ndokutadza zve mukati 5th chance |
Mukati thousand, million, billion, trillion, zillion chances! |